Song of Solomon 2:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi, Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa; Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye midzambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya!
Shona 2009?
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuhwira kwayo; Simuka, shamwari yangu, wakanaka wangu huya!
Shona SUB 2002 Bible
Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye mizambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, mudiwa wangu, akanaka wangu huya!