Song of Solomon 2:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe njiʋa yaŋgu, uri mumikaha yeɗombo, Pakadzitika pamawere; Ndiʋone ciso cako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, ciso cako cakanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe njiva yangu iri mumikaha yamabwe nemakavandika muzvikomo. Rega ndione zvangu uso hwako, ndinzwe hangu izwi rako nokuti izwi rako rakanakisa uye uso hwako hunoyevedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe izwi rako; Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
Shona 2009?
Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe inzwi rako; Nokuti inzwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Iwe njiva yangu, uri mumikaha yedombo, Pakadzitika pamawere; Ndione chiso chako, Ndinzwe izwi rako; Nokuti izwi rako rakanaka, chiso chako chakanaka.