Song of Solomon 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muɗiwa waŋgu wakafanana nemharapara kana nomŋana wenondo; Tarirai, womira seri kworuȿiŋgo rweɗu; Unotarira napamawindi; Unoɗoŋgorera napaɀitanda ɀamawindi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achisvetuka zvikomo mudiwa wangu akaita semhara kana kuti setsvana yemhene. Hoyo wamira zvino seri kwemadziro edu achidongorera napawindo achitarisa nepawaya yesefa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamawindo; Anodongorera napazvitanda zvamawindo.
Shona 2009?
Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri korusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.
Shona SUB 2002 Bible
Mudiwa wangu akafanana nemharapara kana nomwana wenondo; Tarirai, womira seri kworusvingo rwedu; Anotarira napamahwindo; Anodongorera napazvitanda zvamahwindo.