Song of Solomon 3:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakati ndaŋgobva kwaʋari, ndapfuʋura ɀishoma, Ndikamuwana iye unoɗikanwa nomŋeya waŋgu; Ndikamuɓata, ndikaramba kumuregedza, Kuȿikira ndamuisa mumba mamai ʋaŋgu, Muimba yomukati yaiye wakandiɓereka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakangovati pfuurei ndokubva ndamuwana wandinoda. Ndakabva ndamuti mbunde ndisingade kuti aende kusvikira ndaenda naye kumba kwaamai vangu, mumba mewakandibereka wacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
Shona 2009?
Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikamwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakati ndangobva kwavari, ndakapfuura zvishoma, Ndikamuwana iye anodikanwa nomweya wangu; Ndikamubata, ndikaramba kumuregedza, Kusvikira ndamuisa mumba mamai vangu, Muimba yomukati yaiye wakandibereka.