Song of Solomon 4:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, wakanaka sei, shamŋari yaŋgu; tarira, wakanaka sei! Meso ako akafanana neenjiʋa pakutarira kwawo pakati pecifukidzo cako; Vudzi rako rakafanana neɓoka rembudzi, Dzinoɓurukira mujiŋga megomo reGireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakusi kunaka ikoko, chido chemwoyo wangu, hakusi kunaka kwawakaita! Iwo maziso ako aya, ungati injiva chokwadi muvhoiri mako imomo. Iro vhudzi rako ungati idanga rembudzi dziri kuita murikitira pamateru eGireadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGireadhi.
Shona 2009?
Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, akanaka sei, mudiwa wangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriadhi.