Song of Solomon 4:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Miromo yako, mŋeŋga waŋgu, inoɗonha muȿi woʋuci; Ʋuci nomukaka ɀiri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kweŋguʋo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebanoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumiromo mako munobuda usvisvi hunotapira, mwana wamai pasi porurimi rwako mukaka oga nouchi. Kunhuwirira kwehembe dzako ungati kunhuhwirira kweRebhanoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi ouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni.
Shona 2009?
Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuhwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuhwira kweRebhanoni.
Shona SUB 2002 Bible
Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi ouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni.