Song of Solomon 4:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatȿuka; Kutaura kwako kwakanaka; Ɀaʋoʋo ɀako ɀakafanana neɓande reɗamba Pakutarira kwako pakati pecifukidzo cako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iyo miromo yako iyi, kuita setambo tsvuku chaiyo. Muromo wako wakazonaka! Ndoda katauriro kako! Hakusi kutapira mhani ikoko. Matama ako ungati muchero wamapomegiraniti wakachekwa nepakati muvhoiri mako imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
Shona 2009?
Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.
Shona SUB 2002 Bible
Miromo yako yakafanana netambo yakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.