Song of Solomon 4:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wanditorera mŋoyo waŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu; Wanditorera mŋoyo waŋgu nokunditarira kamŋe nameso ako, Necishoŋgo cimŋe comutsipa wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wanditora mwoyo mwana wamai, mwenga wangu. Wanditora mwoyo nokungonditi tarise kwawaita uye nechishongo chako chimwechete chomuhuro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
Shona 2009?
Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.
Shona SUB 2002 Bible
Wanditorera mwoyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera mwoyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.