Song of Solomon 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndapinda mumunda maŋgu, hanɀadzi yaŋgu, mŋeŋga waŋgu; Ndaʋuŋganidza mura yaŋgu neɀinonhuwira ɀaŋgu; Ndadya muȿi woʋuci bgaŋgu noʋuci bgaŋgu; Ndanwa waini yaŋgu nomukaka waŋgu. Idyai, shamŋari dzaŋgu; Inwai, ɀirokwaɀo, inwai ɀikuru, ʋaɗiwa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; Inwai mugute, imi vadiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndauya ini kubindu rangu iwe mwana wamai, mwenga wangu. Ndavakunongerera mura yangu uye tunonhuwirira twangu. Ndavakutodya zinga rouchi uyewo uchi hwangu ndava kutonwa ini waini nemukaka wangu. Idyai shamwari munwe; nwiririrai, imi vadiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu.
Shona 2009?
Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuhwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndamwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Imwai, zvirokwazvo, imwai zvikuru, vadiwa vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu.