Song of Solomon 5:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makumbo ake akaita sembiru dzamabge macena, dzakaiswa paɀigadziko ɀendarama yakaiȿo‐naka; Kuʋonekwa kwake kwose kwakafanana neRebanoni, kwakaiȿo‐naka semisidari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwo makumbo ake aya, hedzo mbiru zvadzo dzakamiswa muzvigadzikiro zvendarama uyewo chimiro chake ungati iRebhanoni kunaka kwazvo semiti yemisidhari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
Shona 2009?
Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
Shona SUB 2002 Bible
Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.