Song of Solomon 5:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaŋga ndiʋete, asi mŋoyo waŋgu wakaŋga wakaȿinura; Inzwi romuɗiwa waŋgu, unogogodza, aciti: Ndizarurire, hanɀadzi yaŋgu, muɗiwa waŋgu, njiʋa yaŋgu, wakakwana waŋgu; Nokuti musoro waŋgu uzere neɗoʋa, Vudzi raŋgu namaɗonhedza oʋusiku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza. Anoti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hwousiku.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakavata zvangu asi kukotsira mukati umu handina. Ndiye inzwei mudiwa achigogodza, achiti, “Ndizarurire mwana wamai, iwe chido chemwoyo wangu, njiva yangu iwe wakaperera nokunaka. Nokuti musoro wangu munyoro nedova, vhudzi rangu ratota namadonhwe ousiku.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakanga ndivete, asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura; Izwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.”
Shona 2009?
Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakanga wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, "Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku."
Shona SUB 2002 Bible
Ndakanga ndivete, asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura; Izwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.”