Song of Solomon 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgatifumire kuminda yemizambiriŋga; Tindoʋona kana muzambiriŋga watuŋga, Kana maruʋa akura, Kana matamba atuŋga maruʋa; Ndipapo pandicakupa ruɗo rwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngatifumirei kumunda wamagirepisi tindoona kuti migirepisi yakatungira here uye kuti maruva emugirepisi azaruka here uyezve kuti mipomegiraniti yava namaruva here. Ikoko ndichakuitira zvorudo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngatifumire kuminda yemidzambiringa; Tindoona kana mudzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
Shona 2009?
Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tinoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.