Song of Solomon 7:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Madudayi anoɓuɗisa kunhuwira; Pamikoʋa yeɗu paneɀinonaka ɀamarudzi ose, ɀitȿa neɀisharu, Ɀandakakuceŋgetera, iwe muɗiwa waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mamandirekisi ava kuburitsa kunhuwirira kwawo, pamisuo yedu inongova michero yoga, yakanakisisa yorudzi norudzi mitsva nemitsaru yandakuwarikira zvako, iwe wangu wapamwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
Shona 2009?
Mudiwadiwa anobudisa kunhuhwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
Shona SUB 2002 Bible
Mudiwadiwa anobudisa kunhuhwira. Pamikova yedu pane zvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvitsaru, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.