Song of Solomon 8:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai ʋaŋgu, Iʋo ʋandidzidzise; Ndaikupa waini yakaveŋganiswa neɀinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndaienda newe kumba kwaamai vangu, mumba maiye akandibereka. Ndaikupa waini ino tunonhuwirira kuti umwe, muto wamapomegiraniti angu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu, Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.
Shona 2009?
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuhwira kuti uimwe, Nomukumbi wamatamba angu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu, Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.