Song of Solomon 8:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mvura zhinji haigoni kudzima ruɗo; Nzizi hadziŋgaruɓitirisi; Kunyaŋge munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane ruɗo, Uŋgaɀidzwa cose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mvura zhinji zvayo haikwanisi kudzimura rudo. Kunyange mapopopo emvura haagoni kunyudza rudo. Kunyange munhu akati regai nditsinhanise rudo nokupa upfumi hwose hwomusha wake zvinonyatsoshorwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
Shona 2009?
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
Shona SUB 2002 Bible
Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyangwe munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.