Titus 1:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi paŋguʋa dzaɀo wakaziʋisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMŋari, Muponesi weɗu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurayiro waMwari, Muponesi wedu;
Shona 2009?
asi panguva dzakafanira wakazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;
Shona SUB 2002 Bible
asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;