Titus 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura ɀinhu iɀi, uraire, uraŋge nesimba rose; ŋgakurege kuʋa nomunhu unokuɀidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino, izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kudzidzisa. Kurudzira uye utsiure nesimba rose. Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Taura zvinhu izvi pachena uchikurudzira nokutsiura nesimba rose usabvumire kuti pave neanozvikudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.
Shona 2009?
Taura zvinhu izvi, uraire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu unokuzvidza.
Shona SUB 2002 Bible
Taura zvinhu izvi, urayire, urange nesimba rose; ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza.