Titus 3:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Zenasi, muɗudziri womurairo, naAporo, uʋaise ɀakanaka parwendo, ʋarege kushaiwa cinhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ita zvose zvaungagona kuti ubatsire Zenasi mududziri womurayiro naAporo parwendo rwavo uye uite kuti varege kushayiwa chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Edza nokwaunogona kubatsira gweta, Zenasi naAporosi parwendo rwavo kuti varege kuva nechavanoshaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zenasi, mududziri womurayiro, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushayiwa chinhu.
Shona 2009?
Zenasi, nyanzvi yomutemo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushaiwa chinhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zenasi, mududziri womurairo, naAporo, uvaise zvakanaka parwendo, varege kushayiwa chinhu.