Zechariah 1:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakatsamŋira kwaɀo ndudzi dzaʋanhu dzakazorora, nokuti ndakaŋga ndakatsamŋa ɀishoma, asi iʋo ʋakanyanyisa nhamo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye ndashatirirwa kwazvo marudzi avanhu vagere zvavo mumutambaratede nokuti pandakamboti hangu shatirwei zvishoma ivo ndipo pavakatodarikidza kuparadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.’
Shona 2009?
Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndakatsamwira kwazvo ndudzi dzavanhu dzakazorora, nokuti ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakanyanyisa nhamo.’