Zechariah 1:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndikati: Aʋa ʋaʋuya kuzoɓateiko? Iye akataura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda, kuȿikira kusinomunhu wakasimudza musoro wake; asi aʋa ʋaʋuya kuzoʋatyisa, kuwisira pasi nyaŋga dzendudzi dzaʋanhu dzakasimudzira nyika yaJuda runyaŋga rwaʋo ʋaciɗa kuʋaparadzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?” Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndikati, “Ko ivava vari kuuya kuzoitei?” Iye ndokuti, “Ndidzo nyanga dzakamwararisa vokwaJudha zvokushaya kana nomumwechete akasimudza musoro. Zvino ivava vauya kuzovatyityidzira vachiwondomorera pasi masimba amarudzi akasimudza nyanga dzawo achitunga nyika yokwaJudha kuti iparare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndikati, “Ava vauya kuzobateiko?” Iye akataura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.”
Shona 2009?
Ipapo ndikati, "Ava vauya kuzobateiko?" Iye akataura, akati, "Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusino munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndikati, “Ava vauya kuzoitei?” Iye akataura, akati, “Ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha, kusvikira kusina munhu akasimudza musoro wake; asi ava vauya kuzovatyisa, kuwisira pasi nyanga dzendudzi dzavanhu dzakasimudzira nyika yaJudha runyanga rwavo vachida kuvaparadzira.”