Zechariah 1:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa ramakumi namanna romŋedzi wegumi nomumŋe, uri mŋedzi weShebati, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusi wegumi nechina wemwedzi wegumi nechiposhi, uri mwedzi waShebhati, mugore rechipiri rokutonga kwaDhariusi, shoko raTENZI rakauya kuna Zekariya mwanakomana waBherekiya mwanakomana waIdho muporofita;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
Shona 2009?
Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva ramakumi namana romwedzi wegumi nomumwe, uri mwedzi weShabhati, negore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekariya mwanakomana waBherekia, mwanakomana womuporofita Idho, richiti,