Zechariah 1:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakatarira ʋusiku, ndikaʋona murume wakataȿa biza dɀuku, akamira pakati pemiti yemimirte yaiʋa mumupata; shure kwake kwakaŋga kunamabiza matȿuku namashora namacena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Usiku ndakaona hoyo munhu akatasva bhiza dzvuku. Izvozvo aiva amire mukati memadenhe emumiti yorukato mumupata kuseri kwake kuina mabhizawo matsvuku neakatsvukuruka namachena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.”
Shona 2009?
"Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena."
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakatarira usiku, ndikaona murume akatasva bhiza dzvuku, akamira pakati pemiti yemimirite yaiva mumupata; shure kwake kwakanga kunamabhiza matsvuku namashora namachena.”