Zechariah 10:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kutsamŋa kwaŋgu kwakamukira ʋafudzi, ndicaroʋa nhoŋgo; nokuti Jehova wehondo wakashanyira ɓoka rake, iyo imba yaJuda, ucaʋaita sebiza rake rakanaka pakurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti Jehovha Wamasimba Ose achava nehanya namakwai ake, imba yaJudha, uye achavaita sebhiza rinodadisa pakurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hasha dzangu dzavirukira kwazvo vafudzi ivavo, saka ndichapa vatungamiriri shamhu yokuranga, nokuti TENZI wehondo nehondo ane hanya nedanga rehwai dzake iyo imba yokwaJudha. Uye achavaita samabhiza ake akanakisisa okurwisa nawo kuhondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.
Shona 2009?
Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa.