Zechariah 10:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacaʋa semhare dzinotsika ʋaʋeŋgi ʋadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; ʋacarwa nokuti Jehova unaʋo; ʋataȿi ʋamabiza ʋacanyadziswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamwe chete vachava savarume voumhare vanotsika migwagwa ina matope pakurwa. Nokuti Jehovha anavo, vacharwa vachakunda vatasvi vamabhiza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose pamwechete vachava magamba chaiwo avarume vehondo, vanotsokodzera muvengi mumatope omumigwagwa. Vacharwa hondo nokuti TENZI anavo. Vachapazamisa musoro vatasvi vamabhiza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.
Shona 2009?
Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.
Shona SUB 2002 Bible
Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa.