Zechariah 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kwandiri: Ciɀikandira kumuʋumbi wehari; ndiwo muteŋgo wakanaka wandakateŋgwa nawo naʋo. Ini ndikatora masirveri anamakumi matatu, ndikaakandira kumuʋumbi wehari mumba maJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI akandiudza kuti, “Iise munochengeterwa upfumi,” iwo mazimari acho omubayiro wavakanditambirisa. Saizvozvo ini ndakatora makumi matatu emari yamashekeri yesirivha ndikaiisa munochengeterwa upfumi mumba yaTENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kwandiri, “Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
Shona 2009?
Jehovha akati kwandiri, "Chizvikandira kumuumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo." Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuumbi wehari mumba maJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kwandiri, “Chizvikandira kumuwumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuwumbi wehari mumba maJehovha.