Zechariah 11:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti handicazoʋi netsitsi naʋagere munyika — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi tarirai, ndicaisa ʋanhu aʋo, mumŋe nomumŋe muruʋoko rwowokwake, nomuruʋoko rwamambo wake; ʋacaparadza nyika, ini ndisiŋgaʋarwiri paruʋoko rwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti handichazonzwirizve vanhu venyika tsitsi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mumwe nomumwe kumuvakidzani wake uye kuna mambo wake. Vachamanikidza nyika, uye handingavanunuri kubva pamaoko avo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti handisisina tsitsi navagari venyika iyi, ndizvo zviri kutaura TENZI. Rega zvako uone! Ndichaitisa vanhu kuti mumwe nomumwe awire mumaoko omufudzi wake, mumwe nomumwe achiwira mumaoko amambo wake. Vachapwanya nyika, handina wandinonunura mumaoko mavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.”
Shona 2009?
"Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo."
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.”