Zechariah 11:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ini ndakafudza makwai aizoʋurawa, ɀirokwaɀo aiʋa makwai anonzwisa ʋurombo. Ndikatora tȿimbo mbiri, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Kunaka, imŋe ndikaitumidza zita rinonzi Ɀisuŋgo; ndikafudza makwai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakafudza makwai akatsaurirwa kundobayiwa kunyanya ainzwisa urombo. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Nyasha uye imwe Kubatana, uye ndakafudza makwai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvowo ini ndakabva ndava mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa navanoita mhindu dzokutengeserana makwai. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri, imwe ndakaitumidza zita rokuti, “Nyasha.” Imwewo ndikaipa zita rokuti, “Kuwirirana.” Ndakafudza hwai dzacho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, “Kunaka,” imwe ndikaitumidza zita rinonzi “Zvisungo;” ndikafudza makwai.
Shona 2009?
Saka ini ndakafudza makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai aizourawa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, "Kunaka," imwe ndikaitumidza zita rinonzi "Zvisungo;" ndikafudza makwai.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ini ndakafudza makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, “Kunaka,” imwe ndikaitumidza zita rinonzi “Zvisungo;” ndikafudza makwai.