Zechariah 12:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaɗira mŋeya wenyasha nowokunyeŋgetera pamsoro peimba yaDavidi, napamsoro paʋagere Jerusarema; ʋacanditarira ini, waʋakabvoʋora; ʋacamucema iye, somunhu unocema mŋanakomana wake mumŋe cete, ʋacaʋa neshuŋgu kwaɀo pamsoro pake, somunhu uneshuŋgu pamsoro pomŋana wake weɗaŋgwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye ndichadurura mweya wenyasha nowokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndichanyatsopinza muimba yaDhavhidhi nomuvagari veJerusaremu mweya wetsitsi nowokunamata zvokuti vachatarisa kwaari iye wavanenge vabaya. Vachamuchema sokuchema kunoita munhu anochema mwana anga achingova mumwechete oga, vachamuchema zvinosiririsa sokuchema kunoita munhu dangwe rechikomana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.
Shona 2009?
"Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichadira mweya wenyasha nowokunyengetera pamusoro peimba yaDhavhidhi, napamusoro pavagere Jerusaremu; vachanditarira ini, wavakabvowora; vachamuchema iye, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, vachava neshungu kwazvo pamusoro pake, somunhu ane shungu pamusoro pomwana wake wedangwe.