Zechariah 13:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.”
Shona 2009?
Zvino nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, "Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.”