Zechariah 13:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ”
Shona 2009?
"Kana mumwe akati kwaari, `Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?' Ipapo achapindura, achiti, `Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.' "
Shona SUB 2002 Bible
“Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga aya ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ”