Zechariah 13:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
Shona 2009?
"Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.
Shona SUB 2002 Bible
“Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku.