Zechariah 13:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chikamu chimwe ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ”
Shona 2009?
Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, `Ndivo vanhu vangu,' ivo vachati, `Jehovha ndiMwari wangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ”