Zechariah 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika yose icaita seɓani, ɀicibva Geba kuȿikira paRimoni, kurutiʋi rwezasi rweJerusarema; iro ricakwiridzwa, ricagara panɀimbo yaro, kubva pasuʋo raBenjamini kuȿikira kunɀimbo yesuʋo rokutaŋga, kuȿikira kusuʋo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kuȿikira kuɀiȿiniro ɀewaini ɀamambo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo.
Shona 2009?
Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamambo.
Shona SUB 2002 Bible
Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuwo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuwo rokutanga, kusvikira kusuwo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamamabo.