Zechariah 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nezuʋa iro kunyoŋganiswa kukuru kunobva kunaJehova kucaʋa’po pakati paʋo; mumŋe nomumŋe ucaɓata ruʋoko rwowokwake, ʋuye ruʋoko rwake rucasimudzirwa ruʋoko rwowokwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu — u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.
Shona 2009?
Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake.