Zechariah 14:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋose ʋakasara ʋendudzi dzose dzakarwa neJerusarema, ʋacakwira gore rimŋe nerimŋe kundonamata Mambo, iye Jehova wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Shona 2009?
Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.