Zechariah 14:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana rudzi rwaʋaEgipita rusiŋgakwiri, ʋakasaȿika’po, naiʋo ʋacaʋiŋgwa nokurobga Jehova waacaroʋa nako ndudzi dzaʋanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vaIjipita vakasaenda uye vakasandonamatawo, havanganayirwi nemvura. Jehovha achauyisa denda pamusoro pavo, denda raanorova naro ndudzi dzisingaendi kundopemberera Mutambo waMatumba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mhuri yeIjipiti isina kuenda kundoshanya ikoko haichawirwi nenhamo inopiwa naTENZI mamwe marudzi anorega kuenda kundochengeta mazuva makuru amatumba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana rudzi rwavaIjipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha waacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
Shona 2009?
Kana rudzi rwavaljipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.
Shona SUB 2002 Bible
Kana rudzi rwaVaIjipiti rusingakwiri, vakasasvikapo, naivo vachavingwa nokurohwa Jehovha waacharova nako ndudzi dzavanhu dzinoramba kukwira kundotamba mutambo wamatumba.