Zechariah 14:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa iro pamatare anorira amabiza pacanyorwa, paciti: ⱿITⱾENE KUNAJEHOVA; nehari dziri mumba maJehova dzicafanana nembiya dziri pamberi peartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva iroro pamabhera amabhiza pachanyorwa kuti, UTSVENE KUNA JEHOVHA, uye hari dzokubikira dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya tsvene dziri pamberi pearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo madare anorira amabhiza anenge akanyorwa kunzi, “Zvinoera zvaTENZI.” Poto dzomumba maTENZI dzichange dzakangoita sendiro dziri pamberi peatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, “ZVITSVENE KUNA JEHOVHA;” nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari.
Shona 2009?
Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, "ZVITSVENE KUNA JEHOVHA;" nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi pearitari.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva iro pamatare anorira amabhiza pachanyorwa, pachiti, “ZVITSVENE KUNA JEHOVHA;” nehari dziri mumba maJehovha dzichafanana nembiya dziri pamberi peatari.