Zechariah 14:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mucatiza nomumupata wamakomo aŋgu, nokuti mupata wamakomo ucandoȿika paAzeri; ɀirokwaɀo mucatiza, seɀamakatiza kuɗeŋgenyeka kwenyika pamazuʋa aUzia mambo waJuda; ipapo Jehova Mŋari waŋgu ucaʋuya, naʋatȿene ʋose pamŋe cete newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.
Shona 2009?
Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wenyu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.
Shona SUB 2002 Bible
Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.