Zechariah 2:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nhai, imi, tizai panyika yokumsoro — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndakakuparadzirai semhepo inna dzokuɗeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvo! Hezvo iwe! Tizai kunyika yokuchamhembe ndizvo zviri kutaura TENZI nokuti ndakakuitai rumwe rumwe uyu kwake uyu kwake, kumativi mana emhepo yokumatenga, ndizvo zviri kutaura TENZI.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Nhai, imwi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Nhai, imi tizai panyika yokumusoro ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndakakuparadzirai semhepo ina dzokudenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.