Zechariah 3:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai ibge randakaisa pamberi paJoshua; pabge rimŋe panameso manomŋe; tarirai, ndicatema runyoro rwaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa ɀakaipa ɀenyika iyo nezuʋa rimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
Shona 2009?
Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe.