Zechariah 4:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndiani wakashoʋora zuʋa reɀinhu ɀiɗuku? Nokuti awa manomŋe acafara ɀikuru, acaʋona rwonzi rwokuyera muruʋoko rwaZerubaberi; awa ndiwo meso aJehova anofamba pose‐pose panyika yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chandinodariro ndechokuti ani zvake anenge akambosvora zuva retunhu tudiki achatozopemberawo achizvionera nameso ake Zerubhabhero akabata muruoko tambo yokuvaka nayo yokuyeresa kutwasuka. “Zvinomwe izvi, maziso aTENZI anobvongodza kuona pasi pose zvapo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
Shona 2009?
"Nokuti ndiani akashoora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona rwonzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose-pose panyika yose.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti ndiani akashora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona tambo yokuyeresa muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose pose panyika yose.