Zechariah 5:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwandiri: Unoʋoneiko? Ndikapindura, ndikati: Ndinoʋona rugwaro rwakapetwa runobururuka; kureɓa kwarwo makubiti anamakumi maʋiri, noʋupamhi bgarwo makubiti anegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviria nokufara makubhiti gumib.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva anditi, “Ko chii chauri kuona?” Ndakadavira ndichiti, “Ndiri kuona bhuku rekumononora riri kubhururuka. Urefu hwaro hunoita mamita mapfumbamwe uye upamhi hwaro huchiita mamita mana ane hafu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”
Shona 2009?
Akati kwandiri, "Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, `Ndinoona rugwaro rwakapetwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, novupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.' "
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwechimononorwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”