Zechariah 5:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kwandiri: Ndiko kutuka kunoɓuɗira pamsoro penyika yose; nokuti mumŋe nomumŋe unoɓa ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi seɀa ɀakanyorwa ’mo; ʋuye mumŋe nomumŋe unopika ucaparadzwa kunorumŋe rutiʋi, seɀa ɀakanyorwa ’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akazoti kwandiri, “Irworwu urwu ndirwo rushambwa rwawira pamusoro penyika yose nokuti kubvira iye zvino anenge angoba chete anosungirwa kuparadzwa zvichienderanawo norushambwa irworwo uye anopika nhema achaparadzwa zvechienderana narwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
Shona 2009?
Ipapo akati kwandiri, "Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo, uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.