Zechariah 7:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
regai kumanikidza cirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira hama yake ɀakaipa pamŋoyo pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Regai kuonesa nhamo chirikadzi nenherera nomuuyi kunyange murombo. Uye ngaparege kuva nomunhu anorongera mumwe wake mano akaipa mumwoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.’
Shona 2009?
regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.'
Shona SUB 2002 Bible
regai kumanikidza chirikadzi, kana nherera, kana mutorwa, kana murombo; kurege kuva nomumwe wenyu anofungira hama yake zvakaipa pamwoyo pake.’