Zechariah 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, mŋoyo yaʋo ʋakaiita sedaimani, kuti ʋarege kunzwa murairo namashoko akatumŋa naJehova wehondo noMŋeya wake naʋaprofita ʋakare; saka kutsamŋa kukuru kwakaɓuɗa kunaJehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakaomesa mwoyo yavo sedombo romusarasara uye vakasateerera kumurayiro kana kumashoko aJehovha Wamasimba Ose aakanga atuma noMweya wake kubudikidza navaprofita vekare. Saka Jehovha Wamasimba Ose akatsamwa zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakaomesa mwoyo chaizvo vachiti vangadaro vakazonzwa mutemo namashoko akatumidzirwa naTENZI wehondo nehondo naMweya wake nomuromo wavaporofita vokutanga. Ndokusaka TENZI wehondo nehondo akashatirwa zvinotyisa kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murayiro namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, mwoyo yavo vakaiita sedhaimani, kuti varege kunzwa murairo namashoko akatumwa naJehovha wehondo noMweya wake navaporofita vakare; saka kutsamwa kukuru kwakabuda kuna Jehovha wehondo.