Zechariah 7:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura naʋanhu ʋose ʋenyika ino, naʋaprista, uti: Ɀamaiɀinyima ɀokudya mucicema no mŋedzi wecishanu nowecinomŋe, makore ano anamakumi manomŋe, maitoŋgoɀinyima ɀokudya nokuɗa kwaŋgu, nokuɗa kwaŋgu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya pakuchema nomwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Taura kuvanhu vose zvavo venyika iyi uye nokuvapristi uti: ‘Heya pamaitsanya muchichema nhamo mumwedzi wechishanu newechinomwe kwamakore makumi manomwe maitsanyira ini here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Taura navanhu vose venyika ino, navapristi, uti, ‘Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano ana makumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?
Shona 2009?
"Taura navanhu vose venyika ino, navaprista, uti, `Zvamaitsanya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano anamakumi manomwe, maitongotsanya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?
Shona SUB 2002 Bible
“Taura navanhu vose venyika ino, navapristi, uti, ‘Zvamaizvinyima zvokudya muchichema nomwedzi wechishanu nowechinomwe, makore ano ana makumi manomwe, maitongozvinyima zvokudya nokuda kwangu, nokuda kwangu here?