Zechariah 8:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mazuʋa iwayo asati aȿika, kwakaŋga kusinomuɓairo womunhu kana muɓairo weɀipfuwo; kwakaŋga kusinorugare kunowaiɓuɗa kana kunowaipinda, nemhaka yomudziʋisi; nokuti ndairwisanisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe nowokwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti mazuva iwayo asati asvika kwakanga kusina chaitambiriswa munhu kana chaitambirisirwa chipfuwo. Kunyange mukufamba makanga musina kuchengetedzeka kwakanaka kumuvengi nokuti ndakanga ndaita kuti vanhu vavengane.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kunoaibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.
Shona 2009?
Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubayiro womunhu kana mubayiro wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kunowaibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mazuva iwayo asati asvika, kwakanga kusino mubairo womunhu kana mubairo wezvipfuwo; kwakanga kusino rugare kuno aibuda kana kune aipinda, nemhaka yomudzivisi, nokuti ndairwisanisa vanhu vose mumwe nomumwe nowokwake.