Zechariah 8:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mbeu yorugare icaʋa’po; muzambiriŋga ucaɓereka ɀiɓereko ɀawo, nyika icaɓereka ɀayo, ɗeŋga ricaɓuɗisa ɗoʋa raro; ʋanhu aʋa ʋakasara ndicaʋagarisa nhaka yeɀinhu iɀi ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mbeu ichakura zvakanaka, muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvirimwa zvayo, uye matenga achaburutsa dova rawo. Ndichapa zvinhu zvose izvi senhaka kuna vakasara vavanhu ava.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti kuchadyarwa rugare, mugirepisi uchabereka muchero wawo ivhu richipa zvinobva mariri, matenga achadonhesawo dova rawo. Ini ndichaita kuti zvose izvozvo zvive zvevechitsama chakasara chavanhu ava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mbeu yorugare ichavapo; mudzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.
Shona 2009?
Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mbeu yorugare ichavapo; muzambiringa uchabereka zvibereko zvawo, nyika ichabereka zvayo, denga richabudisa dova raro; vanhu ava vakasara ndichavagarisa nhaka yezvinhu izvi zvose.