Zechariah 8:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo: Seɀandakafuŋga kukuitirai ɀakaipa, ŋguʋa yandakatsamŋiswa namadziɓaɓa enyu, ini ndikasaɀiɗemba — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Sezvandakanga ndafunga kuuyisa njodzi pamusoro penyu, uye ndikasaitira madzibaba enyu tsitsi paakanditsamwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti zvanzi naTENZI wehondo nehondo, “Sokuronga kwandakamboita kukupinzai nhamo paya pandakatsamwiswa namadzibaba enyu ndikarega kudzora mwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, “Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
Shona 2009?
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, "Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, “Sezvandakafunga kukuitirai zvakaipa, nguva yandakatsamwiswa namadzibaba enyu, ini ndikasazvidemba ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo;