Zechariah 8:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kurege kuʋa nomumŋe wenyu unofuŋgira wokwake ɀakaipa mumŋoyo make; musaɗa kupika kwenhema; nokuti ɀinhu iɀi ɀose ndinoɀiʋeŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
usarongera zvakaipa muvakidzani wako zvakaipa, uye usafarira kupika nhema. Ndinovenga zvose izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kandai pasi zvokurongerana mano akaipa mumwoyo, murege kuda mhiko dzenhema nokuti zvose izvozvi ini ndinozvivenga. Ndizvo zviri kutaura TENZI.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga," ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
kurege kuva nomumwe wenyu anofungira wokwake zvakaipa mumwoyo make; musada kupika kwenhema; nokuti zvinhu izvi zvose ndinozvivenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.